418 Tsumo DzeChishona

418 Tsumo DzeChishona
Spread the love

418 TSUMO DZECHISHONA

1. Afirwa haaringwi kumeso

2. Auta haaoneki

3. Aiva madziva ave mazambuko

4. Akuruma nzeve ndewako

5. Akwewa sanzu akwewa namashizha aro

6. Ane ganda ane nyama hazvienzane nowakabata hohwa

7. Ane marengenya haacharike moto

8. Ane mhuri kwayo ndeane ndume ane mhurikadzi vaeni

9. Anokutukira badza unokupa upfumi

10. Apunyaira haashayi misodzi

11. Ashamba haanokorerwi

12. Atandavara aguta, apfunya ndiye avata nayo

13. Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba magaro

14. Atswinya arwa

15. Avengwa anhuhwa

16. Benzi rikasaimba manjemanje richamhanya bani

17. Chada mwoyo hachikoni, mwoyo chiremba

18. Chafamba chasvava

19. Chaikanya chototsa, chaitotsa chokanyawo

20. Chaitemura chava kuseva

21. Chakabaya chikachokera

22. Chakaenzanwa ibvudzi upfumi hahuna kuenzanwa

23. Chakafukidza dzimba matenga

24. Chakanaka chakanaka mukaka haurungwi (munyu)

25. Chakatairi pasi ndechevanhu vose asi chiri mumuti ndechowagona kukwira

26. Chakatanga ndochakachenjedza

27. Chako ndechako kuseva unosiya muto

28. Chapadare chakakandwa parurimi rwavapfuuri, chomumba chiri mumhepo

29. Chapinda munzeve chavaridza bonde

30. Charova sei chando chakwidza hamba mumuti

31. Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere kwasviba

32. Chati homu chareva

33. Chauya masikati charamba ndima chauya usiku charamba hope

34. Chava chigondora chava chimombe kutadza kutunga hurema hwacho

35. Chavavana batisisa mudzimu haupi kaviri

36. Chavavana pfumbata vashakabvu havakandi ruviri

37. Chawawana idya nehama mutorwa ane hanganwa

38. Chawira pasi mudzimu wembwa

39. Chekuba hachigari

40. Chembere masikati usiku imvana

41. Chembere mukadzi hazvienzani nekurara mugota

42. Chembere ndeyembwa yomunhu inofa ichigurukuta

43. Chembere ndeyembwa yomurume ndibaba wavanhu

44. Chenga ose manhanga hapana risina mhodzi

45. Chibwe chiremera chavari kure vari pedyo vanotamba nacho

46. Chidamoyo hamba yakada makwati

47. Chidembo hachinzwi kunhuhwa kwacho

48. Chidhiidhii kutsvara hundi moyo uri kumakoto

49. Chidokodoko chirere muviri chikuru chinozouya wakora

50. Chidziva chakadzikama ndicho chinogara ngwena

51. Chigare chenda kudya akaitakura

52. Chigarisano ndicho chine mhosva

53. Chigere ibwe muti unowa

54. Chikomo shata divi rimwe ritambire pwere

55. Chimwe nachimwe chine nguva yacho

56. China manenji hachifambisi chinomirira kuti mavara acho aonekwe

57. Chinogova ruoko muromo haugovi

58. Chinokanganwa idemo asi chitsiga hachikanganwe

59. Chinokokwa upfumi urombo hunozvikoka

60. Chinokura chinokotama musoro wegudo chave chinokoro

61. Chinokura choga isango munda kukura huona tewe

62. Chinokura usipo imombe munda unokura nokuvandurirwa

63. Chinono chine’ngwe bere rakadya richifamba

64. Chinonzi regedza ndechiri mumaoko chiri mumoyo unofa nacho

65. Chinotanga mberi mashura

66. Chipitipiti chakazvara chimwandamwanda

67. Chirema ndechina mazano chinotamba chakazendama kumadziro

68. Chirere mangwana chigozokurerawo

69. Chiri mumoyo chiri muninga unofa nacho

70. Chiri pamuchena chiri pamutenure

71. Chiripo chiripo ndarira imwe hairiri

72. Chirungurira ndechowadya maradzwa chowerinopisa isvoto

73. Chisi chako hachibatsiri unodya wakaringa kumusuwo

74. Chisi hachieri musi vacharimwa

75. Chisingaperi chinoshura

76. Chitaurirwa mbare dzekumusana

77. Chitende chinorema ndechine mhodzi

78. Chitsva chiri murutsoka

79. Chitsva chitsva munamba wejenachena

80. Chivendekete anoseka chimedure

81. Chomukuru anopa omene

82. Chomukuru hachikumbirwi

83. Chura kugara mumvura handi kunwa

84. Dare harizondi munhu rinozonda mhosva

85. Dindingwe rinonaka richakweva rimwe kana iro rokwehwa roti mavara angu azare’vhu

86. Dzakatamba nepwete dzikareswa kudzorerwa

87. Dzavira mutswanda hadzichanetsi kunhonga

88. Dzvinyu kuzamba zuva huona bako

89. Fodya haina manenji semhamba

90. Fodya haina shura sedoro

91. Gapakapa ndere fodya remhudzi rinokura nokusakurirwa

92. Gombarume kudze soro kukudza dumbu wonge wave chana

93. Gona ana gona vakewo

94. Gona rehupfumi iziya

95. Gondo kuengerera raona zumbu

96. Gore haribvi pakabva rimwe

97. Gore musandu

98. Gunguo rakaramba kumirira museve rikapona nehwakumukwaku

99. Gunguo rinodya mbamba, rino muchero waro

100. Hakuna dziva risina chura

101. Hakuna mombe inokorera pamarekete

102. Hanya nani chidoma chekwaChivi

103. Hapana angagone chisingagoneke naGona

104. Hapana chembwa tenzi vararira mutakura

105. Hapana mhou inokumira mhuru isiri yayo

106. Hapana mukuyu unovinga shiri

107. Hari haiviri isina mukuchidziri

108. Hauzivi tsanga inokodza tsambakodzi

109. Heya baravara ndiwo magariro kutuka mwene wechisvo ndiwo mano

110. Hope hadzina ndima

111. Hove dzinokwira dzine muronga

112. Hove huru dzinodyira kwodoka

113. Hukwana inodya ndeiri pana mai

114. Hurudza inofa ichinzi inodya

115. Hwahwa hahuna mbuva

116. Ibangano muchateya kuzondoona kwava kwomumwe chete

117. Idambudziko rehope kurota kwawakarambwa

118. Igangaidza mukwenyi mhezi kuvavira mumoyo

119. Ikamwe pagore hembe yenherera

120. Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzematowo

121. Imbwa payadyira haipakanganwi

122. Imhashu yomurwere inogochwa yakabatwa gumbo

123. Inotanda yomunyepi younyerere haitandi

124. Ishe ndishe, muranda muranda

125. Ishungu dzomutana waswera padare kuramba nemhandire seane meno

126. Isimba kaviri kurwa nemukadzi weasipo

127. Kakara kununa hudya kamwe

128. Kamoto kamberewere kanopisa matanda mberi

129. Kana shumba ikashaya nyama inodya uswa

130. Kana wadya imbwa idya iri hono

131. Kandiro enda kandiro dzoka

132. Kandiro kanoenda kunobva kamwe

133. Kangoma kana koririsa kawa pedyo nekuda kubvaruka

134. Kubaya tange hama vatorwa vakutye

135. Kubikira mweni kumudzinga

136. Kuchengeta imbwa yomweni kuda mwene wayo

137. Kuchenjedza nyamukuta kuzvara uchada

138. Kuda chemungozva kubata mwana

139. Kudada kwavari mugomo kukumbira vari pasi mapfiwa

140. Kudya chevapfupi nekureba

141. Kudyirwa munda nembwa sendakarima nyama

142. Kufa izuva rimwe, kuora igore

143. Kufa kweane hari anosiya mazonde

144. Kufira mafufu segonzo

145. Kugara nhaka kuona dzevamwe

146. Kugarika tange nhamo

147. Kugocha kunoda kwaamai kwomwana kunodzima moto

148. Kugutswa nguva shoma senzara

149. Kujaidza makudo neanokamhina

150. Kukokwa kwasamusha kukokwa kwavagere naye

151. Kukonwa kwedare kukonwa kwamambo

152. Kukurukura hunge vapotsva

153. Kungotya nyanga dzezizi nyamba manhenga

154. Kunokanganwa mudyi wenyemba muoreri wamateko haakanganwi

155. Kupa kuturika

156. Kupedza nyota kuenda padziva

157. Kupfuma kwemuchana mudzimu wake

158. Kuramba dzvuku kuona jena

159. Kuramba nyama yechidembo hunge une yetsuro

160. Kurava mbudzi nedzisipo kurava nedzava matowo

161. Kuravidza chembere muto wegwaya mangwana inofira mudziva

162. Kurayira kunoda pwere mukuru ndimambo

163. Kure kwegava ndokusina mutsubvu

164. Kure ndokuna amai kune mukadzi unofa wasvika

165. Kurembera kwedamba handiko kuwa

166. Kurera imbwa nomukaka mangwana inofuma yokuruma

167. Kurera imbwa rera inoruma igokudzivirira mupfumvu

168. Kureva ndokunei, kutarisa kurevawo

169. Kurova imbwa wakaviga mupini

170. Kurumwa nechekuchera

171. Kusaziva kufa

172. Kutaura kudzikisira kuita makata

173. Kuvhunduka chati kwata hunge une katurike

174. Kuyewedza semhiripiri mukati izere uturu

175. Kuziva mbuya huudzwa

176. Kwadzinorohwa matumbu ndiko kwadzinomhanyira

177. Kwamairidigikira ndiko kwomoringa benya, kwamairinga benya ndiko kwomoridigikira

178. Kwave kusakara kwedowo serisakadyiwa nyama

179. Made echakata kutsvukira mumuti kuti ndiposherwe

180. Mai musuva usingasevi muto

181. Makunguo zvaakatya akafa mangani

182. Makunun’unu maodza nyemba

183. Manenji kuona kamba ichitamba nembudzi

184. Mangachena inoparira parere nhema

185. Manyengedza pfungwa efodya kuzadza dama nehutsi husingasviki kuguru

186. Mapudzi anovira kusina hari

187. Matakadya kare haanyaradzi mwana

188. Matanda makuru mazunguniswa

189. Matende mashava anovazva doro

190. Matukirwo ababa kunema mwana

191. Matsotsi haagerani

192. Mazvokuda kufa namaronda enyora

193. Mbavha imbatwa, mbavha-rutsoka ishamwari

194. Mbiri matende inoputsika

195. Mbudzi kudya mufenje kufananyina

196. Mbudzi yazvarira pavanhu yati nditandirwe’mbwa

197. Mhembwe rudzi kuzvara mwana ane kazhumu

198. Mhondoro kurura inotanga wayo

199. Mhosva haiori

200. Mhosva inorondwa hakuna mhosva yakaita honye

201. Mhuno hainwi mvura muromo usina kunwa

202. Miti inomera pamwepo hairegi kukwizana kana kune mhepo

203. Mombe yekukumbira ndeyekukama wakaringe nzira

204. Mombe yenjeni kutokama wakasungira

205. Moyo chena unobayisa

206. Moyo muti unomera paunoda

207. Mudzimu vakupa chironda vati nhunzi dzikudye

208. Muenzi haapedzi dura

209. Mugoni wepwere ndeasinayo

210. Mukwasha mukuyu haapere kudyiwa

211. Munhu akanaka haararame

212. Munhu haarerwi nebonde

213. Munhu kufamba kunenge kukavira nyimo, kutizira kuchinge kudyara nzungu, kucheuka kukange kutsindire’shwa

214. Munhu akatsiga anozviganhura pakunwa hwahwa

215. Munongedzo hauzvinongedzi

216. Munyai mutumwa, muridzi wesoko ndiwe

217. Muonerapamwe chuma yemuzukuru

218. Muramba kukombwa muramba hweni

219. Murombo haarovi chine nguo

220. Murombo munhu

221. Muromo chipfukuto unopedza matura

222. Muromo haupi chinopa maoko

223. Muroyi munhu kubayiwa anochemawo

224. Muroyi royera kure ugowana anokuviga

225. Musanyengerera makudo neanokamhina

226. Musha mukadzi

227. Muto wetsenza ndiwo mumwe

228. Mutsa worutsoka kuperekedza ziso

229. Muzivi wenzira yeparuware ndiye mufambi wayo

230. Mviromviro yemhanza inotanga shosha

231. Mviromviro yemhanza mapfeka

232. Mvura inoera usinayo

233. Mwana asingachemi anofira mumbereko

234. Mwana muduku kubvuma rwendo rwake ruri mberi

235. Mwana washe muranda kumwe

236. Mwana washe ndishewo, womuranda anochemberera muuranda

237. Mwana wengwe mwana wengwe kuona chikara haatizi

238. Mwana wenyoka inyoka haina muduku

239. Mwoyochena weyi bere kugarira munhu akafa

240. N’ai kwadzo ndedzomucheche dzomukuru dzinoreva kudya

241. Ndakaziva haitingamire

242. Ndakazvida haichemedzi

243. Nerimwe zuva gava richadimbura musungo

244. Nhaka mbuya ndeyemombe yemunhu inovhionera

245. Nhamo inenge yefodya inoti uku yakarumwa uku inotsva

246. Nhamo inhamo zvayo amai havaroodzwi

247. Nhamo yomumwe hairambirwi sadza

248. Nhasi chineni mangwana chinewe

249. Nhasi ndini mangwana ndiwe

250. Nhenha isibi inoroya

251. Nherera inoguta musi wafa mai

252. Nhonhongora kudya chayo kukumbirirei uchi kudondi

253. Njera yomusaririra ndiyo yeshiri

254. Nyadzi dzinokunda rufu

255. Nzanga inokura yerema yomuchenjeri inoparara

256. Nzanga seka dumba, dumba seka nzanga

257. Nzira masanga

258. Nzombe huru yakabva mukurerwa

259. Nzou hairemerwi nenyanga dzayo

260. Nzou mutupo pana vanhu paseri ava machikichori

261. Onde kutsvuka kunze mukati rizere masvosve

262. Pabva zino rave vende

263. Pachapwa madziva miramba tichanyurura

264. Pagara murimi pagara mupopoti

265. Pakukutu hapaurayi

266. Pane danga pane mombe pane hundi pagara hurudza

267. Panoda mwoyo nzira haisviki

268. Panodya ishe varanda vanodyawo

269. Panomera muswe panonyeredza

270. Pasina nyimo makunguo aizodyei

271. Pfini yenyoka kuruma chaisingadyi

272. Potsi haarwirwi anorwirwa ndiPiri

273. Rambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma

274. Raramo idivakamwe

275. Rega kutsindira mwena unobuda ishwa

276. Rega kuyera nyoka negavi iyo iripo

277. Regai dzive huku mazai haana muto

278. Rina manyanga hariputirwi mumushunje

279. Rinonyenga rinohwarara rinozosimudza musoro rawana

280. Rombe ngerichaenda rodzoka ndimambo

281. Rombe pakata hana mukaka ndowavaridzi

282. Rombe rinosekwa richaenda kana rodzoka, hedzo nhureture

283. Roro kutsvuka kunze mukati rizere masvosve

284. Rukova rwizi kuyambuka unokwinya nguo

285. Rwizi rukuru madirano

286. Rwomuranda rwakoneswa norwashe, rwashe rwakoneswa nemvura kunaya

287. Shambakodzi yakarindwa haiviri

288. Shungu dzembwa dziri mumwoyo kuhukura ndiko kududza

289. Soko harivhikwi

290. Takabva neko kumhunga hakuna’pwa

291. Tambe tambe vanoda varivo

292. Taramuka panotamba dera

293. Tenda muchero ugowisa

294. Tenda muchero wadya zvinogadza mwoyo

295. Tenda wakohwa zvemunda wezunde

296. Tichaona kunowira tswimbo nedohwe

297. Totenda dzanwa mombe dzaswera nebenzi

298. Totenda maruva tadya chakata

299. Totenda nyemba tanwira mvura

300. Totenda yabikwa imba yepwere

301. Totenda yavira tsambakodzi yedemhe

302. Tsapata rukukwe hazvienzani nokurara pasi

303. Tsenzi igara yadyiwa

304. Tsiru nzenzi manhenda waikama

305. Tsuro haipunyuki rutsva kaviri

306. Tsuro kotsa muromo

307. Tsvaru akadana tivu

308. Tsvimborume kutandara nemvana mwoyo uri kumhandara

309. Tswanda inorema yasvika

310. Twemudenhe tune ushorwi

311. Ubatebate hunourayisa

312. Ugaro mwena kutevedza hunoguma

313. Ukadzinga tsuro mbiri imwe inopunyuka

314. Ukama hahusukwi nemvura hukabva

315. Ukama hunonhuhwa

316. Ukama igasva hunozadziswa nokudya

317. Ukama urimbo kudambura haubvi

318. Ukangosekerera hwiza mangwana dzinokudyira muriwo

319. Ukanzwa bofu richiti ndinokurova pane cherakatsika/ parakazendama

320. Ukaravidza chembere nyama inofira musango

321. Ukuru hurema hahuvanzwi

322. Umambo hutambidzwana

323. Umba hwehosi husina marevere

324. Umhandara idambakamwe

325. Unaki hwemukadzi huri pamwana

326. Upenyu hwenungo irima

327. Upenyu imhindupindu

328. Upfumi idova hautani kupera

329. Ura mapako hunozvara mbava nemuroyi,

330. Urombo hune nherera kudya ikarutsa,

331. Urombo hwayo mhembwe kufa iri pamusungo

332. Urombo hwenherera kupakwa ichirutsa,

333. Urombo uroyi hauudzwi munhu

334. Urombo hwematede kunaiwa nemvura makurwe ari mumhatso

335. Usachenjedza n’anga kurapwa uchada

336. Usadzinganisa tsuro nemunyu muchanza

337. Usaguta ukasunda dura

338. Usakangira nyimo vane meno avo havo

339. Usakurumidza kumedza kutsenga uchada

340. Usakusha mbeu mvura yaenda

341. Usaona imbwa kunyenama ukati unokusekerera

342. Usapedzera tsvimbo kuna vanamakuwe idzo hanga dzichauya

343. Usapinza munwe mumwena unobuda wareba

344. Usaruka nhava sora ratsva

345. Usarume muromo wenzombe inopura zviyo

346. Usashore nyemba nedzinozvimbira

347. Usatamba nematope pasina mvura

348. Usatanda hwiza idzo tsuro dzichauya

349. Usatsvaga nhava muuswa iro sora ratsva

350. Usavaka danga pasina mombe

351. Usaverenga mbeva nemudune

352. Ushe hauzvitongi

353. Ushe hukokwa, hunotokokwa kune vamwe

354. Ushe hunonyanga dera

355. Ushe hunonyangira rema

356. Ushe husiirwana

357. Ushe idova hunoparara

358. Ushe imhute hunoparara zuva rabuda

359. Ushe madzoro hunoravanwa

360. Ushe muzhanje unokuva

361. Ushe vuranda

362. Usiku humwe hauodzi nyemba

363. Usiku igore

364. Uswa hwenyati dohuri mudumbu huri pamuromo inofa nahwo

365. Utsi hwenyama hautosvori

366. Utsva hworurimi hahuna marapiro

367. Uzivi wenzira huri mugumbo

368. Vadani ndivo vakani

369. Vagere pachavo vangonyinda

370. Vakachenjera havatsvairani mbeva

371. Vakadyara tsvina vachakohwa hundi muchamupupuri

372. Vakafa havana chavakaona

373. Vakafa vakazorora

374. Vakakavira mhepo vachacheka chamupupuri

375. Vana wengwena havakuriri mudziva rimwe chete

376. Vari kuno vanoshura vanoviga nherera mhenyu vachisiya muzvari afa

377. Vari pachavo chikurikuri

378. Vari pachavo vanokwenyana

379. Varume ndivo vamwe kutsva kwendebvu vanodzimurana

380. Vataitururira matohwe nhasi ndivo votiseka maparapadzwa

381. Vaviri vaviri wechitatu muzvinaguhwa

382. Vayanani ndivo varwi

383. Vimba nechako chemwango chekukumbira hachina ndima

384. Wabereka sekera muchitende

385. Wadzvova aguta

386. Wafa wanaka

387. Waguta zvekupisa dura

388. Waita mbereko ada kusuka machira

389. Waita womutorwa kuti kumwe kwakaoma kumwe kunyoro

390. Wakagarika ngewakafa mupenyu pfumo riri mushure

391. Wakandicheka nerakagomara

392. Waniwa haichatyi kufamba mudova

393. Wanzi baba wada kamusha kake

394. Warara warara nemuromo wake

395. Watungamira haatori nzira

396. Wazarira bako mvura ichada kunaya

397. Wegudza ndowegudza kufuga gumbeze rinotsva

398. Wenhamo haachatyi kufamba murima

399. Wenhamo haaneti

400. Yatsika yanwa

401. Zano marairanwa

402. Zano pangwa une rako

403. Zino irema rinosekerera varisingadi

404. Zvakona n’anga murapwa achida

405. Zipfuko rambuya ziramba watonha

406. Zingizi gonyera pamwe maruwa enyika haaperi

407. Zino irema rinosekerera newarisingadi

408. Ziriwo rechembere ziramba waravira

409. Zizi kurungwa munyu roti ndava hukuwo

410. Zundu kugara mudanga zvanzi ndava mombe

411. Zuva igore rinodoka rava namarevo mavi namavuya

412. Zvaitika zvaitika bhurugwa rebenzi risingazivi mberi kana shure

413. Zvinhu zviedzwa chembere yekwaChivi yakabika mabwe ikanwa muto

414. Zviri kumwene wegira kufuka kana kuwarira

415. Zviroto zviroto

416. Zviururwi zvinofara kana kondo afa ziso

417.Zviuya hazvivanani

418. Zviuya zviri mberi

You may also like...

Add your first comment to this post

>