Beta/Dhliwayo/Ishwa

Beta/Dhliwayo/Ishwa
Aiwa tafara, Ishwa
Dhliwayo, matifadza
Maita vari Chimanimani
Vakabve Mbire
Maita Mutore
Makapotera Makoni muchidarika Mutasa
Maita basa
Aiwa tafarisisa, Beta
Mandemwa, zvaonekwa
Zvaitwa Chikukwa
Saungweme, vanonyuka mumwena wechuru
Vakakombwa nemajuru
Wanei rangove bishi bishi remasoja enyu
Kuwumba imba yenyu
Imba yemuchenje unotapira-tapira
Kukwikwidzana nehuchi hunotapira
Pamainza ndimi vhu
Chenyu chipako chiri pasi pevhu
Munobuda mumwena parukungurima
Bhururukei kwaita rima
Muchinyuka muchidzere
Mune rufaro rwuzere
Maita Ishwa
Maita Dhliwayo
Kubhururuka ndirwo rwenyu rumbo
Makaramba kupiripitika kweshiri yabatwa neurimbo
Vemanhenga asingatane kugwishwa kumusana
Maita vanopunyuka mumwena
Maneta munogadaira nedumbu
Kukwezha nhumbu
Beta Maita maita
Ishwa maita
Matiunzira mvura yeMatonjeni
Nhasi zvakwati nayei nayei
Enyu mapapiro faranukei
Bhururukei
Bhururukei
Ewo Beta, zvaonekwa
Ishwa maita
Tafara nezvamaita izvi
Recent Comments