Nhewa Simboti

Nhewa Simboti

Mwaita Nhewa,
Ingwe ina mavara,
Mwazviita Simboti,
Chiruka, Nyakuzvibatira,
Chikatsa, VaMuteyi,
Mwaita wari Kutsoka.
Chirukamachira, wari Mhembere.
Mwazviita wari Mundimu,
Wanoirima Nhewa,
Mhondi inopondera pachena
Pasina kana negwenzi.
Mwaita wari kuChai,
Sanyanga, Buka iwe.
Waita mwana waNyamaruodzo,
Akapinda mubuwe nembwa dzake,
Mwaita henyu wari kuUkuhu,
Muchera,
Chirebvu.
Mwaita wari Tezi,
Mwazviita Nyamuteyi,
Tatenda muTawangena, MuSena,
Aiwa zvaonekwa Nhewa; Simboti..

You may also like...