Shava Museyamwa

Shava Museyamwa
Maita Shava,
Mhofu yomukono, Ziwewera
Hekani Mutekedza
Vakatekedzana paJanga
Vakapiwa vakadzi munyika yavaNjanja
Hekani Mutekedza, vari uHera Mukonde
Zvaitwa Mhukahuru, vemiswe inochenga miviri
Ziendanetyaka, mutunhu une mago
Vanovangira vashura vhu, kutsivira mutumbi
Chidavarume, vanovhimwa navanonyanga
Vasakamonera vakadzi dzenhema
Vanomonera vakadzi dzamangondi
Vanochemera wavatanga
Vane misodzi inodonha pasi
Kuti yadonha yoda nhevedzo yeromunhu ropa
Tonotenda vari Matenhere
Vari pazvikomo zveMbwenya
Maita veTsambochena, Mhofu yomukono
Kuyambuka rwizi mvura yakwira makomo
Totenda voMuchimbare, veGuruuswa
Vane nzangachena kunge mwedzi wejenachena
Kuziva zvenyu VaShava Mukonde, vari Gombe
Zvaonekwa vahombarume, zvaitwa Mbiru
Aiwa, zvaonekwa Sarirambi, zvaiitwa Nyashanu
Recent Comments