Shumba Jichidza

Maita Shumba,
Hekani Mushereketi,
Maita Jichidza,
Hekani Chibwa,
Hekani Bumhi,
Zvaitwa Shumba,
Vapungaidzi venyunyu,
Vofamba kuravira.
Maita VaNyandairi,
Matikaha,
Kuona chiso,
Ndokuvhunduka.
Hekano VaChibari.
Zvaitwa Gongoma.
Maita mashavi okuvhima,
VaMudzvovandiripamhene,
Varidzi vamatondo,
VaMuvhimazhizhanechirimo,
Zvokuvata masanga.
Aiwa zvaonekwa Mudzvovakamwe,
Zvaitwa Jichidza.

You may also like...