Shumba Sipambi

Shumba Sipambi
Spread the love

Shumba Sipambi

Mazviita Shumba,
Maita Sipambi,
Yakapamba nedzevamwe,
Vadyi vefazhakamwe
Inodyarwa ikamera.
Maita matikaha nokuona tsimba,
Kuona munhu vana vanotya,
Mukakatirakwasviba,
Kumuka ndodzvova, kutsika zvovava,
Mutakuranhawo kuno munhuhwi,
Sipambi, mwana wechikara,
Chokanyaira chobva Magare,
Choinda Imbwarume chisina uta.
Zvaitwa varidinhire Chigarachibwe,
Vari Magare VaMupfurawatya.
Mazviita Mugonderwa, vokwaMusakadongo, veShanje
Vari Madzimudzangara, vari Sikanadema,
Zvaitwa vaTakaindisa naMuzuva,
Vari Chaenda vari Ruvhure.
Waita Charumbira Zvigonyati zvangu zvizvi,
Haiwa zvaitwa vaNhinhi, vari Nhinhihuru
Maita saminzwa, zvaonekwa vari Nyanda..

You may also like...

Latest comments (3)

zinu says:

thank you

zinu says:

thank you

Bryan says:

Thank you so much

>