Moyo Mukumbuzi

Moyo Mukumbuzi

Hekani Mukumbudzi,
Vaera Moyo,
Vari Zvihota,
Vanoswera kuteverwa nevakadzi,
Hekani Mukumbudzi,

Madevanoruwere
Maita Mukumbudzi,
Maita veGuruuswa, Chirandu,
Hekani Moyo yangu iyi,
Kuziva zvenyu varikuMatsvitsi,
Vari Tanganyika,
Mutakurwa,
Bvumavaranda,
Vauya veMhani,
Mwana waMukwengapasi naMunyepi,
Moyo Mukumbudzi pasi rose.

Maita variZangaome, variMahumwi,
Hekani Mbuya, Ziriwosehwa.
Maita vari Garara, Matandare.
Tatenda vari Daranjiva vana vaMupfumbwa.
Hekani Moyo, vari Mahusekwa.
Maita vari Chikwizu neChikura,
Zvaonekwa vari Jeranondo,
Chipfuwamiti, vakadzi vachiuya vega,
Gwezvavanhu vari kuna ari kwaMuchera nevari Gombe.
Maita vari Wona, totenda vari Dikitira,
Mwana waZiriwosehwa, hekani Nhandare.
Maita vari uRozvi, vakabva Guruuswa,

You may also like...