Totems / Mitupo / Izibongo
Soko Murehwa
Maita Soko, Maita Murehwa, Zvaitwa Matarira, Soko yangu yiyi. Maita Marovahombe, mwana webveni, Chirongo changu chichichi.
Moyo Wakapiwa
Maita Wakapiwa, Maita veGuruuswa, Chirandu, Hekani Moyo yangu yiyi, Kuziva zvenyu varikuMatsvitsi,
Hlatywayo Nungu
Tiyashire Nungu, Matikiti, Chikandamuseye, Mwashuma Dekete, Tinobonga Mafuyateya,
Tembo Wakapiwa
Hekani Tembo, VokwaChivara, VokwaMudzinganisagumbo, Vari Machecheche, Machera,
Mbano Matemavi
Evo Nzou, Makunda, Maita Mbano, evo Musiyiwa, Mwoyowevhu, zvaitwa Madzorera. Maita zvenyu vomuGoromonzi, vokwaChikwaka.
Shonga Nyati
Maita Nyati, Maita Zvigarambabvu, Hekani Nyati yangu yiyi, Zvaitwa shinga, Mwana waMuswere. Tatenda vari Museso navari Minanga,
Gumbo Madyirapanze
Mazviita Gumbo, Maita zvenyu Madyirapanze, Vaidyira panze nokutya Vaera Shiri, Hekanhi Chidonhamuto, Chidonhamukaka mhuru inobva muGona,
Beta/Dhliwayo/Ishwa
Beta/Dhliwayo/Ishwa, Aiwa tafara, Ishwa, Dhliwayo, matifadza, Maita vari Chimanimani, Vakabve Mbire, Maita Mutore,
Shava Vhuramavi
Zuruvi, Vhuramavi, VaSeke Mukonde, VaVhanganyama, Vakavhanga nyama nohwahwa. Maita VaSeke,
Recent Comments