Zundu kugara mundove hunzi neni ndava mombewo

Zundu kugara mundove hunzi neni ndava mombewo

English Direct Translation 

A kraal worm living in cattle dung (thinks), “I am a cow too.”

Variants 

  1. Kanyembana kumera munyemba hunzi ndava nyembawo. (A small bean germinating amongst beans (thinks), “I am a bean too.”)
  2. Zizi kurungwa munyu roti ndava hukuwo. (An owl being salted (thinks), “I am a fowl too.”)
  3. Ruzambu kugara munyemba rwoti ndava nyembawo. (A wild grass growing amongst beans (thinks), “I am a bean too.”)
  4. Hapana chisingadi ushe gwavava ndiye nevanji woruware. (There is none who does not want chieftainship; the lizard is the first-born on the rock.)

Shona Explanation 

Munhu anogara pamukuru anoda kuzviratidza somukuruwo uye kana murombo akagara pakati pavapfumi anobva atozvitorawo somupfumi.

English Explanation

A person is out of place in company with people with whom he has nothing in common, though he may strive to appear as one of them. 

You may also like...