Category: Shona Totems
Shonga Nyati
Maita Nyati,
Maita Zvigarambabvu,
Hekani Nyati yangu yiyi,
Zvaitwa shinga,
Mwana waMuswere.
Tatenda vari Museso navari Minanga,
Shayamombe Dziva
Shayamombe,
Mandinginda,
hove irimudziva,
Maita Dziva, Save
Musaigwa mucheka uzere mavi,
Nyakuzvidzwa, Nhemahuru,
Shava Vhuramavi
Zuruvi, Vhuramavi,
VaSeke Mukonde,
VaVhanganyama,
Vakavhanga nyama nohwahwa.
Maita VaSeke,
Shava Nyakudirwa
Maita Masvinga,
Hekani Muchamaya,
Zvaitwa mwana waKache
Tinoenda Mhukahuru,
Maita vari Shangure,
Shava Mwendamberi
Maita Shava,
Mwendamberi.
Maita vokwaGwenzi rakavita mambo,
VeChitemberere.
Maita Mvurayadzongwa
Matangakunwa Shava yangu yiyi,
Shava Mutenhesanwa
Maita Mutenhesanwa,
Shava yangu yiyi,
Zvaitwa mwana waChiweshe,
Mugova wakarasika,
Mutsika pane mbiri,
Shava Mufakose
Maita Shava,
Maita Mufakose, vokwaNyamhangambiri.
Maita Chidavarume,
Vanotokundwa pakusakura,
Pavakadzi pasina anovakunda.
Recent Comments