Category: Shona Totems

Shumba 4

Shumba Gurundoro

Evoi Shumba,
Gurundoro,
Zvaitwa vaMbari,
maita vaDupwa,
VaSamaringa,

0

Shonga Nyati

Maita Nyati,
Maita Zvigarambabvu,
Hekani Nyati yangu yiyi,
Zvaitwa shinga,
Mwana waMuswere.
Tatenda vari Museso navari Minanga,

2

Shato Mheta

Shato,
Mheta,
Maita Saunyama
Maita Mheta,
Svova nepasi,

3

Shayamombe Dziva

Shayamombe,
Mandinginda,
hove irimudziva,
Maita Dziva, Save
Musaigwa mucheka uzere mavi,
Nyakuzvidzwa, Nhemahuru,

4

Shava Vhuramavi

Zuruvi, Vhuramavi,
VaSeke Mukonde,
VaVhanganyama,
Vakavhanga nyama nohwahwa.
Maita VaSeke,

0

Shava Nyakudirwa

Maita Masvinga,
Hekani Muchamaya,
Zvaitwa mwana waKache
Tinoenda Mhukahuru,
Maita vari Shangure,

0

Shava Mwendamberi

Maita Shava,
Mwendamberi.
Maita vokwaGwenzi rakavita mambo,
VeChitemberere.
Maita Mvurayadzongwa
Matangakunwa Shava yangu yiyi,

0

Shava Mutenhesanwa

Maita Mutenhesanwa,
Shava yangu yiyi,
Zvaitwa mwana waChiweshe,
Mugova wakarasika,
Mutsika pane mbiri,

2

Shava Mufakose

Maita Shava,
Maita Mufakose, vokwaNyamhangambiri.
Maita Chidavarume,
Vanotokundwa pakusakura,
Pavakadzi pasina anovakunda.

>