Shumba Nyamuzihwa

Murambwi
Spread the love

Shumba Nyamuzihwa

Maita Nyamuzihwa,
Shumba, Hara, maita Muchori.
Maita waNanga wasina mhezi,
Wakabva Buja nembondwe.
Maita Nechinanga, muzukuru waChakoreka.
Ewo Bonga, waChingate,
Muzukuru waMapahwe, wari Choma,
Ewyi Shumba, maita Hara.
Maita Nonga rangu riri,
Maita Nyamuzihwa, maita wari Mangadza.
Maita wari Dombojawa rina mawara machena,
Dombo rakaramba kumera uswa nemiti,
Rinoti kukwira munokwira namabvi,
Rina makwapamakwapa anenge nzira.
Maita zvenyu Shumba,
Chikanda changu chichi,
Maita waTsuri wamasawara.
Kana musipo hapana chinochekwa.
Maita Chiurayi, hekani Chikanda,
Mwana waMukombwe naNehoreka,
Chipfuyawarombo, heakni waNjapa,
Maita Mutumbe, Donga, wari Man’anja,
Samanyara,
Zvaitwa Kondovha asingachariki mvura,
Mwana waChinyanga, asingaje imwe mbeu,
Kusiya kwezviyo chete.
Maita wari Tsatsa Mukonde,
Aiwa zvaonekwa Nyamuzihwa,
Tikafira pano wani..

You may also like...

Add your first comment to this post

>