Tembo Shumba Samaita
Tembo Shumba Samaita
Maita Mbizi,
Mwaita Chiwara,
Njuma yerenje, Mashongera.
Hekani vene veChirovarova,
Vakabva Marenje.
Mwaita Tembo Shumba,
Zvaitwa Muroro, Musimira, Maruki.
Mwazviita Mupiyaniswa,
Magunde avasikana,
Wazviita Mbizi yokwaChikanga.
Totenda vaChifambausiku, Tendai waMutasa,
Muzungu, Mutakurwa,
Mushambadzi wamachira,
Chitendera chamambo changu chichi,
Mbizi yakashonga mikonde savakadzi.
Maita Shumba Tembo,
WaSenwa avete Gorongozi,
Mwaita vari Makarati,
Vari Marenje, Guruuswa
Tatenda VaMoyo,
Zvaitwa Dhuve rangu riri,
Rina makwapa makwapa,
Hekani vaChikanga,
Mbizi Chiverekete.
Mwaita Shumba yapasi.
Mwaita Zenze, Romo,
Kuwa kweBinga zuva rinoora.
Mwaita vari kuGwara, Mahwemachena,
Zvaitwa vari kuTsoka,
Vari Chirovarova neMahwemasimike.
Maita Chihwa, Shumba yevese,
Maita henyu vari kuChai, Mahwemanyoro,
Aiwa zvaitwa Dehwerembidzi, Gakangoma,
Zvaitwa Samaita..
Recent Comments